MIMWE MINAMATO
ANGERE WAMAMBO
MUNAMATO WAMANGWANANI
Baba Vedu
Baba vedu muri kudenga, zita renyu ngarinamatwe; umambo hwenyu ngahusvike, kuda kwenyu ngakuitwe, pasi sokudenga. tipeiwo nhasi kudya kwedu kwezuva, mutiregerereiwo zvatakakutadzirai sokuregerera kwatinoita vakatitadzira, musatirege tichiwira mune zvinotiedza, asi mutinunure kune zvakaipa. Amen.
Kwaziwai Mariya
Kwaziwai Mariya, muzere girasiya, Mambo anemi, makakomborerwa pana vakadzi, akakomborerwawo Mwana wemimba yenyu, Yesu. mariya musande, amai vaMwari, mutireverere isu vatadzi, zvino napanguva yokufa kwedu. Amen.
Vakudziwe Baba
Vakudziwe Baba naMwanakomana naMweya Musande, sezvakanga zviri pokutanga nazvino nakare kose nemisi isingaperi. Amen.
Ndinotendera Mwari
Ndinotendera Mwari, Baba vana masimba ose, musiki wedenga napasi. Ndinotendera Yesu Kristo, Mwanakomana wake mumwe chete, Mambo wedu, akazvarwa naMariya muvirigo, nesimba raMwari Baba ana masimba ose; achabvako kuzotonga vapenyu navafi. Ndinotendera Mweya Mutsvene, kirike sande katorike, kubatana kwavasande, kuregererwa kwamatadzo, kumuka kwomuviri, noupenyu husingaperi. Amen.
St Ignatius Loyola Parish - Chishawasha Mission © All Rights Reserved
USEFUL LINKS
PRAYERS
RUSARIRO II ROSARY
RUSARIRO RWETSITSI II DIVINE MERCY
NZIRA YECHIPIYANISO II STATIONS OF THE CROSS
MINAMATO
For The Greater Glory of God