ZVISHAMISO

FATIMA












          MUNAMATO WEFATIMA

Yesu Wangu, tiregereiwo matadzo edu, tidzivirireiwo kumoto muzhinji, itai kuti mweya yose iende kudenga, zvikuru iyo inoda tsitsi dzenyu kwazvo.




















RUSARIRO munamato wakanakisa wakatanga kuitwa nevatenderi kare kare. Kana tichiita munamato uyu tinorangarira pamwe naMariya zviitiko zvikuru muupenyu hwaMambo wedu Yesu Kristo. Zvikuru sei tinorangarira, upenyu, kufa, nokumuka muvafi kwavaita Yesu, zvose kuti tigowane upenyu husingaperi.

Musi wekugumisira Yesu akapa mai vake kumudzidzi wake achiti, "Mhai, mwana wenyu," kumudzidzi akatiwo, "Mwana, mai vako." (Johane 19:26-27) Nhasi uno, tinotenda kuti tiri maKristo, zvichireva kuti tiri kugamuchira gwara rake uye kubvuma kuve vadzidzi vake. Nokudaro tinogamuchirawo mai Mariya samai veduwo.


                                                       RUSARIRO 






























                ZVISHAMISO ZVEKUFARA 
                     (Muvhuro neMugovera)

1. Angere Gabrieyeri akaparidza kuna Mariya
2. Mariya akashanyira hama yake Erizabeti
3. Mariya akapona Yesu kuBeterehema mudanga
4. Yesu Kristo akagamuchidzwa mutembere
5. Yesu Kristo akawanikwa mutembere

                 
ZVISHAMISO ZVECHIEDZA
                                  (China)

1. Yesu Kristo akabhapatidzwa muna Yorodhani
2. Yesu Kristo akaratidza simba rake pamuchato wokuKana
3. Yesu Kristo wakaparidza kuuya kwoUmambo hwaMwari
4. Yesu Kristo wakashanduka pagomo
5. Yesu Kristo wakatipa Sakramende romuviri neropa rake (Yukaristiya)

        
ZVISHAMISO ZVOKUSUWA 
                   (Chipiri neChishanu)

1. Yesu Kristo akatandadza mumunda
2. Yesu Kristo akapurwa pamutsigo
3. Yesu Kristo akagadzwa ndaza yeminzwa
4. Yesu Kristo akatakura chipiyaniso
5. Yesu Kristo akarovererwa pachipiyaniso

           
ZVISHAMISO ZVEKURUMBIRA 
                        (Svondo neChitatu)

1. Yesu Kristo akamuka muvafi
2. Yesu Kristo akakwira kudenga
3. Mweya Musande akaburukira pana vapositori
4. Mariya musande akakwidzwa kudenga
5. Mariya musande akagadzwa uhosi hwedenga



For The Greater Glory of God


(Ruka 1: 46-55)

"Ini ndinokurumbidzai Mambo nomwoyo wangu wose, mweya wanguwo unopemberera Mwari muponesi wangu, nokuti wakatarisa netsiye nyoro murandanhando wake. Chionai, kubvira zvino marudzi ose achanditi munatswi, nokuti Samasimba wakandiitira zvinhu zvikuru. Zita rake rinoera. 

Anonzwira tsitsi avo vanomutya, kubvira chizvarwa nechizvarwa. Anoita zvinamasimba noruoko rwake, anoparadza vanozvikudza nendangariro dzemwoyo yavo. Anobvisa vanyamasimba pazvigaro zvavo, achisimudzira vanhunhando. Vane nzara anovagutisa nezvinhu zvakanaka, vapfumi anovaendesa vasina. Wakabatsira Israere muranda wake, sezvaakatsidzira vadzibaba vedu. Akayeukawo tsitsi dzake kuna Abrahama nokuna vedzinza rake nemisi isingaperi."

st ignatius loyola parish

USEFUL LINKS

RUSARIRO

St Ignatius Loyola Parish - Chishawasha Mission @ All Rights Reserved